Jeremiah 48

Chirevo pamusoro peMoabhu

1Pamusoro peMoabhu:

Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa.

Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa;
nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa.
2Moabhu haichazorumbidzwizve;
muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti: ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’
Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro;
munondo uchakutevera.
3Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi,
kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru.
4Moabhu ichaputswa;
vana vadiki varo vacharidza mhere.
5Vachakwira nomukwidza weRuhiti,
vachichema zvikuru pakuenda kwavo;
pamateru enzira yokuHoronaimi
kuchema kwokurwadziwa pamusoro pokuparadza kunonzwika.
6Tizai! Mhanyai muponese upenyu hwenyu;
mufanane negwenzi riri mugwenga.
7Sezvo muchivimba namabasa uye nepfuma yenyu,
nemiwo muchatapwa,
uye Kemoshi ichaenda kuutapwa,
pamwe chete navaprista namachinda ayo.
8Muparadzi acharwa namaguta ose ose,
uye hapana guta richapunyuka.
Mupata uchaparadzwa,
uye mutunhu wakakwirira uchaparadzwa
nokuti Jehovha azvitaura.
9Isai munyu pamusoro peMoabhu,
nokuti ichaparadzwa;
maguta ayo achava matongo,
asina achazogaramo.

10“Ngaatukwe uyo anobata basa raJehovha asina hanya!
Ngaatukwe uyo anodzora munondo wake pakuteura ropa!

11“Moabhu anga ane zororo kubvira pauduku hwake,
sewaini yasarira mumasese,
isina kudirwa kubva muno mumwe mudziyo ichiiswa muno mumwe,
haana kuenda kuutapwa.
Saka anongotapira sezvaakanga ari,
uye kunhuhwira kwake hakuna kushanduka.
12Asi mazuva anouya,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“andichatuma varume vanodurura zvinobva mumudziyo,
uye vachadururira pasi;
vachasiya midziyo isina chinhu
uye vagoputsa midziyo yake.
13Ipapo Moabhu achanyadziswa neKemoshi,
sokunyadziswa kwakaitwa imba yaIsraeri
pavakavimba neBheteri.

14“Ungataura sei, uchiti, ‘Tiri mhare,
varume vakatsunga muhondo’?
15Moabhu ichaparadzwa, uye maguta ayo acharwiswa;
majaya ake akaisvonaka achaburukira kundourayiwa,”
ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.
16“Kuwa kweMoabhu kwava pedyo;
njodzi yayo ichasvika nokukurumidza.
17Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza,
vose vanoziva mukurumbira wayo;
muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba,
wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’

18“Burukai pakukudzwa kwenyu
mugare pavhu rakaoma,
imi vagari voMwanasikana weDhibhoni,
nokuti iye anoparadza Moabhu
achauya kuzokurwisai,
uye agoparadza maguta enyu akakomberedzwa.
19Mirai panzira mutarire,
imi vagari vemuAroeri.
Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka,
muvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’
20Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa.
Ungudzai uye muridze mhere!
Zvizivisei paArinoni
kuti Moabhu yaparadzwa.
21Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira,
kuHoroni, Jahaza neMefaati,
22kuDhibhoni, Nebho neBheti Dhibhirataimu,
23kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni,
24kuKerioti neBhozira,
nokumaguta ose eMoabhu ari kure neari pedyo.
25Runyanga rweMoabhu rwagurwa;
ruoko rwake rwavhunika,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

26“Itai kuti adhakwe,
nokuti iye azvidza Jehovha.
Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake;
ngaave chinhu chinosekwa.
27Ko, Israeri haana kuva chinhu chinosekwa nemi here?
Ko, akabatwa ari pakati pembavha here,
zvamunodzungudza musoro wenyu
muchimushora pose pamunotaura nezvake?
28Siyai maguta enyu mundogara pakati pamatombo,
imi mugere muMoabhu.
Itai senjiva inovaka dendere rayo
pamuromo webako.

29“Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu,
manyawi nokudada kwavo kukuru
uye kuzvikudza kwakanyanya,
kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo.
30Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva.
31Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu,
nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira,
ndinochema varume veKiri Hareseti.
32Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri,
haiwa imi mazambiringa eGibhima.
Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa;
akandosvika kugungwa reJazeri.
Muparadzi awira pamichero yako
yaibva namazambiringa.
33Mufaro nokufarisisa zvaenda,
zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu.
Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro;
hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro.
Kunyange pano kudanidzira,
hakusi kudanidzira kwomufaro.

34“Inzwi rokuchema kwavo rinokwira
richibva kuHeshibhoni kusvikira kuErieri neJahazi,
kubva kuZoari kusvikira kuHoronaimi neEgirati Sherishiya,
nokuti kunyange nemvura dzeNimirimi dzapwa.
35Ndichaisa magumo muMoabhu,
kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira,
uye vanopisira zvinonhuhwira kuna vamwari vavo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
36“Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu;
unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti.
Pfuma yavakawana yapera.
37Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa,
uye ndebvu dzose dzakagurirwa;
ruoko rumwe norumwe rwakagurwa,
uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga.
38Pamusoro pamatenga ose eMoabhu
napazvivara
hakuna chiriko kunze kwokuchema,
nokuti ndaputsa Moabhu
sedende risina anorida,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
39“Akoromorwa sei! Vaungudza sei!
Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa!
Moabhu yava chinhu chinosekwa,
chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.”
40Zvanzi naJehovha:

“Tarirai achabhururuka segondo,
rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu.
41Kerioti ichatapwa
uye nhare dzichatorwa.
Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu
ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa.
42Moabhu ichaparadzwa serudzi
nokuti yakazvidza Jehovha.
43Kutya negomba nomusungo zvakakumirirai,
imi vanhu veMoabhu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
44“Ani naani achatiza njodzi
iyi achawira mugomba,
ani naani achakwira achibuda mugomba,
achabatwa mumusungo;
nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhu
gore rokurangwa kwake,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

45“Mumumvuri weHeshibhoni
vatizi vanomirapo vasina simba,
nokuti moto wabuda uchibva kuHeshibhoni,
murazvo pakati peSihoni;
unopisa huma dzaMoabhu,
misoro yavanozvikudza vemheremhere.
46Une nhamo, iwe Moabhu!
Vanhu veKemoshi vaparara;
vanakomana vako vakaendeswa kuutapwa
navanasikana vako muutapwa.

47“Kunyange zvakadaro ndichadzosazve pfuma yeMoabhu
pamazuva anouya,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Pano ndipo panogumira kutongwa kweMoabhu.

Copyright information for SnaBDSC